Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 21:9-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Asi Sara akaona mwanakomana akanga aberekerwa Abhurahama naHagari muIjipita achiseka,

10. ndokubva ati kuna Abhurahama, “Dzinga mukadzi murandakadzi uyo nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi uyo haangatongogovani nhaka nomwanakomana wangu Isaka.”

11. Nyaya iyi yakatambudza Abhurahama zvikuru kwazvo nokuti yaiva nechokuita nomwanakomana wake.

12. Asi Mwari akati kwaari, “Usanyanya kutambudzika hako pamusoro pomukomana uye napamusoro pomurandakadzi wako. Teerera zvaunoudzwa naSara, nokuti muna Isaka ndimo muchaverengerwa vana vako.

13. Ndichaitawo rudzi kubudikidza nomwanakomana womurandakadzi, nokuti naiyewo mwana wako.”

14. Mangwanani akatevera, Abhurahama akatora zvokudya neguchu redehwe rine mvura akazvipa kuna Hagari. Akazviisa pamapfudzi ake ipapo akamuendesa pamwe chete nomukomana. Akaenda uye akadzungaira ari mugwenga reBheerishebha.

15. Mvura yaiva muguchu redehwe yakati yapera, akaisa mukomana pasi pegwenzi.

16. Ipapo akabvapo akandogara pedyo naipapo, nhambwe inenge ingasvika museve, nokuti akafunga mumwoyo make akati, “Handingatariri mukomana achifa.” Uye agere pedyo ipapo akatanga kuchema.

17. Mwari akanzwa mukomana achichema, uye mutumwa waMwari akadana Hagari kubva kudenga akati kwaari, “Zvaita seiko Hagari? Usatya; Mwari anzwa kuchema kwomukomana paakavata apo.

18. Simudza mukomana umubate noruoko, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.”

19. Ipapo Mwari akasvinudza meso ake uye akaona tsime remvura. Saka akaenda akandozadza guchu nemvura ndokubva apa mukomana kuti anwe.

20. Mwari akava nomukomana pakukura kwake. Akagara mugwenga akazova munhu aipfura nouta.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 21