Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 21:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino Jehovha akaitira Sara nyasha sezvaakanga areva, uye Jehovha akaitira Sara zvaakanga avimbisa.

2. Sara akava nemimba uye akaberekera Abhurahama mwanakomana munguva yokukwegura kwake, panguva chaiyo yakanga yavimbiswa naMwari.

3. Abhurahama akatumidza mwanakomana waakaberekerwa naSara zita rokuti Isaka.

4. Mwanakomana wake Isaka paakanga ava namazuva masere okuberekwa, Abhurahama akamudzingisa, sezvaakanga arayirwa naMwari.

5. Abhurahama akanga ava namakore okuberekwa zana paakaberekerwa mwanakomana wake Isaka.

6. Sara akati, “Mwari andivigira kuseka, uye vose vachanzwa nezvazvo vachaseka neni.”

7. Uye akatizve, “Ndianiko aizoti kuna Abhurahama, Sara achazorera vana? Asi ndamuberekera mwanakomana panguva yokukwegura kwake.”

8. Mwana akakura uye akarumurwa, uye pazuva rakarumurwa Isaka, Abhurahama akaita mutambo mukuru.

9. Asi Sara akaona mwanakomana akanga aberekerwa Abhurahama naHagari muIjipita achiseka,

10. ndokubva ati kuna Abhurahama, “Dzinga mukadzi murandakadzi uyo nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi uyo haangatongogovani nhaka nomwanakomana wangu Isaka.”

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 21