Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 18:15-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Sara akatya, saka akareva nhema akati, “Handina kuseka.” Asi iye akati, “Hongu, waseka.”

16. Varume vakati vasimuka kuti vaende, vakatarisa vakananga zasi kuSodhomu, uye Abhurahama akafamba navo achivaperekedza.

17. Ipapo Jehovha akati, “Ko, ndichavanzira Abhurahama zvandiri kuda kuita here.

18. Zvirokwazvo Abhurahama achava rudzi rukuru rune simba, uye ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa kubudikidza naye.

19. Nokuti ndakamusarudza kuti agotungamirira vana vake neveimba yake kuti vachengete nzira yaJehovha nokuita zvakanaka nezvakarurama, kuitira kuti Jehovha agouyisa pamusoro paAbhurahama zvaakamuvimbisa.”

20. Ipapo Jehovha akati, “Kuchema pamusoro peSodhomu neGomora kukuru kwazvo uye chivi chavo chaipisisa

21. zvokuti ndichaburuka kuti ndinoona kana zvavakaita zvakanyanya kuipa sokuchema kwakasvika kwandiri. Kana zvisina kudaro, ndichazviziva.”

22. Vanhu vaya vakabvapo uye vakaenda vakananga kuSodhomu, asi Abhurahama akaramba amire pamberi paJehovha.

23. Ipapo Abhurahama akaswedera kwaari akati, “Ko, muchaparadza vakarurama pamwe chete navakaipa here?

24. Ko, kana muguta mune vanhu makumi mashanu vakarurama? Muchariparadza zvechokwadi here mukasasiya nzvimbo iyo nokuda kwavanhu makumi mashanu varimo?

25. Zvakadaro ngazvive kure nemi kuti muite chinhu chakadai, kuti muuraye vakarurama pamwe chete navatadzi, muchiitira vakarurama zvakafanana navatadzi. Zvakadaro ngazvive kure nemi! Ko, mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?”

26. Jehovha akati, “Kana ndikawana vanhu vakarurama makumi mashanu vari muguta reSodhomu, ndichaponesa nzvimbo yose nokuda kwavo.”

27. Ipapo Abhurahama akataurazve akati, “Zvino zvandatanga kudai kuti nditaure kuna Ishe, kunyange hazvo ndisiri chinhu asi guruva namadota,

28. ko, kana kukashayikwa vashanu kuna vakarurama vana makumi mashanu? Muchaparadza guta rose nokuda kwavashanu ava here?” Akati, “Kana ndikawana makumi mana navashanu imomo, handingariparadzi.”

29. Zvakarezve akataura kwaari akati, “Ko, kana kukawanikwa makumi mana chete?” Iye akati, “Nokuda kwamakumi mana iwayo, handingaiti izvozvo.”

30. Ipapo akati, “Ishe ngaarege kunditsamwira, asi regai nditaure hangu. Ko, kana makumi matatu chete vakawanikwamo?” Iye akapindura akati, “Handingaiti izvozvo kana ndikawana makumi matatu chete.”

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 18