Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 12:11-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Paakanga oda kupinda muIjipiti, akati kumukadzi wake, Sarai, “Ndinoziva kuti uri mukadzi akanakisa.

12. Pauchaonekwa navaIjipita, vachati, ‘Uyu ndiye mukadzi wake.’ Ipapo vachandiuraya asi iwe vachakurega uri mupenyu.

13. Saka uti uri hanzvadzi yangu, kuti ndigobatwa zvakanaka nokuda kwako uye upenyu hwangu hucharwirwa nokuda kwako.”

14. Abhurama akati asvika kuIjipiti, vaIjipita vakaona kuti akanga ane mukadzi akanaka kwazvo.

15. Uye machinda aFaro vakati vamuona, vakandomurumbidza kuna Faro, uye vakabva vamutora vakamupinza mumuzinda wake.

16. Akabata Abhurama zvakanaka nokuda kwake, uye Abhurama akava namakwai nemombe, makono embongoro namakadzi, varandarume navarandakadzi uye nengamera.

17. Asi Jehovha akatambudza Faro neveimba yake nehosha yakaipisisa nokuda kwaSarai mukadzi waAbhurama.

18. Saka Faro akadana Abhurama uye akati, “Waiteiko kwandiri? Wakaregereiko kundiudza kuti uyu mukadzi wako?

19. Seiko wakati, ‘Ihanzvadzi yangu,’ nokudaro ndakamutora kuti ave mukadzi wangu? Naizvozvo zvino, hoyu mukadzi wako. Mutore uende!”

20. Ipapo Faro akarayira varanda vake pamusoro paAbhurama, uye vakamurega achienda nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 12