Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 12:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akanga ati kuna Abhurama, “Siya nyika yako, vanhu vako neimba yababa vako uye uende kunyika yandichakuratidza.

2. “Ndichakuita rudzi rukuru uye ndichakuropafadza; ndichaita kuti zita rako rive guru, uye iwe uchava ropafadzo.

3. Ndicharopafadza vaya vanokuropafadza, uye ani naani anokutuka ndichamutuka; uye marudzi ose ari panyika acharopafadzwa kubudikidza newe.”

4. Saka Abhurama akabva, sezvaakanga audzwa naJehovha; uye Roti akaenda naye. Abhurama akanga ava namakore makumi manomwe namashanu okuberekwa paakasimuka kubva paHarani.

5. Akatora mukadzi wake Sarai, mwanakomana womunun'una wake Roti, pfuma yose yavakanga vava nayo, navanhu vavakanga vawana muHarani, uye vakasimuka vakaenda kunyika yeKenani, uye vakasvika ikoko.

6. Abhurama akafamba nomunyika kusvikira panzvimbo yomuti mukuru weMore paShekemu. Panguva iyoyo vaKenani vakanga vari munyika.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 12