Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 11:3-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Vakataurirana vakati, “Uyai, ngatiitei zvidhina tigozvipisa kwazvo.” Vakashandisa zvidhina pachinzvimbo chamabwe, uye bhitumiti rikava dhaka ravo.

4. Ipapo vakati, “Uyai, ngatizvivakirei guta neshongwe inosvika kudengadenga, kuti tizviitire mukurumbira uye kuti tirege kupararira panyika yose.”

5. Asi Jehovha akaburuka pasi kuti azoona guta neshongwe yakanga ichivakwa navanhu.

6. Jehovha akati, “Kana vanhu ava vava somunhu mumwe, vachitaura rurimi rumwe chete, vakatanga kuita izvi, zvino hapana chinhu chavanoronga kuti vachiite chichavaomera.

7. Uyai, ngatiburukei tindovapesanisa mutauro wavo kuti varege kunzwisisana.”

8. Saka Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose ipapo, uye vakarega kuvaka guta.

9. Ndokusaka nzvimbo iyo yakanzi Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha akapesanisa mutauro wenyika yose. Kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose.

10. Iyi ndiyo rondedzero yamarudzi aShemu. Makore maviri shure kwamafashamu, Shemu paakanga ava namakore zana okuberekwa, akabereka Afakisadhi.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 11