Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 11:23-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Uye shure kwokubereka kwake Nahori, Serugi akararama kwamakore mazana maviri uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.

24. Nahori akati ava namakore makumi maviri namapfumbamwe okuberekwa, akabereka Tera.

25. Uye shure kwokubereka kwake Tera, Nahori akazorarama kwamakore zana negumi namapfumbamwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.

26. Shure kwokunge Nahori ava namakore makumi manomwe okuberekwa, akabereka Abhurama, Nahori naHarani.

27. Iyi ndiyo rondedzero yavana vaTera. Tera akabereka Abhurama, Nahori naHarani. Uye Harani akabereka Roti.

28. Baba vake Tera vachiri vapenyu Harani akafira muUri ravaKaradhea, munyika yaakaberekerwa,

29. vose vari vaviri Abhurama naNahori vakawana. Zita romukadzi waAbhurama rainzi Sarai, uye zita romukadzi waNahori rainzi Mirika; akanga ari mwanasikana waHarani, baba vaMirika naIsika.

30. Zvino Sarai akanga asingabereki; akanga asina vana.

31. Tera akatora mwanakomana wake Abhurama, muzukuru wake Roti, mwanakomana waHarani, nomuroora wake Sarai, mukadzi womwanakomana wake Abhurama, uye vakaenda kuUri yavaKaradhea pamwe chete kuti vaende kuKenani. Asi vakati vasvika paHarani, vakagara ipapo.

32. Tera akararama kwamakore mazana maviri namashanu, uye akafira paHarani.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 11