Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 10:9-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Akanga ari muvhimi mukuru pamberi paJehovha; ndokusaka zvichinzi, “SaNimirodhi, muvhimi mukuru pamberi paJehovha.”

10. Maguta okutanga oumambo hwake akanga ari Bhabhironi, Ereki, Akadhi neKarine, munyika yeShinari.

11. Achibva munyika iyoyo akaenda kuAsiria, uko kwaakandovaka Ninevhe, Rehobhoti Iri, Kara

12. neReseni, riri pakati peNinevhe neKara; rinova ndiro guta guru.

13. Miziraimi akanga ari baba veava: vaRudhi, vaAnami, vaRehabhi, vaNafutuhi,

14. vaPaturusi, vaKasiruhi (kunova ndiko kwakabva vaFiristia) navaKafutori.

15. Kenani akanga ari baba veava: Sidhoni dangwe rake, navaHiti,

16. vaJebhusi, vaAmori, vaGirigashi,

17. vaHivhi, vaAriki, vaSini,

18. vaAvhadhi, vaZemari navaHamati. Shure kwaizvozvo dzimba dzavaKenani dzakapararira,

19. uye miganhu yavaKenani yakasvika kuSidhoni yakananga kuGerari kusvikira kuGaza, uyezve yakananga kuSodhomu, Gomora, Adhima neZebhoimi, kusvikira kuRasha.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 10