Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 10:18-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. vaAvhadhi, vaZemari navaHamati. Shure kwaizvozvo dzimba dzavaKenani dzakapararira,

19. uye miganhu yavaKenani yakasvika kuSidhoni yakananga kuGerari kusvikira kuGaza, uyezve yakananga kuSodhomu, Gomora, Adhima neZebhoimi, kusvikira kuRasha.

20. Ava ndivo vanakomana vaHamu nedzimba dzavo uye nemitauro yavo, munyika dzavo nendudzi dzavo.

21. Shemu akaberekerwawo vanakomana, mukoma wake akanga ari Jafeti; Shemu akanga ari tateguru wavanakomana vose vaEbheri.

22. Vanakomana vaShemu vaiti: Eramu, Ashuri, Afakisadhi, Rudhi naAramu.

23. Vanakomana vaAramu vaiti: Uzi, Huri, Geteri naMesheki.

24. Afakisadhi akanga ari baba vaShera, uye Shera ari baba vaEbheri.

25. Ebheri akaberekerwa vanakomana vaviri: Mumwe ainzi Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romunun'una wake rainzi Jokitani.

26. Jokitani akanga ari baba va: Arimodhadhi, Sherefi, Hazamavheti, Jera,

27. Hadhoramu, Uzari, Dhikira,

28. Obhari, Abhimaeri, Shebha,

29. Ofiri, Havhita naJobhabhu. Vose ava vakanga vari vanakomana vaJokitani.

30. Dunhu ravaigara raibvira kuMesha rakananga kuSefari, kunyika yezvikomo yokumabvazuva.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 10