Ipapo vatapwa vakanga vadzoka kubva kuutapwa vakabayira zvipiriso zvinopiswa kuna Mwari waIsraeri: hando gumi nembiri dzavaIsraeri vose, makondohwe makumi mapfumbamwe namatanhatu, namakwayana makono makumi manomwe namanomwe, uye nhongo dzembudzi gumi nembiri, sechipiriso chechivi. Zvose izvi zvaiva chipiriso chinopiswa kuna Jehovha.