37. zvaImari zvaiva chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri;
38. zvaPashuri zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana navanomwe;
39. zvaHarimi zvaiva chiuru chimwe chete negumi navanomwe.
40. VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua navaKadhimieri (vorudzi rwaHodhavhia) zvaiva makumi manomwe navana.
41. Vaimbi: zvizvarwa zvaAsafi zvaiva zana namakumi maviri navasere.
42. Varindi vapasuo reTemberi: zvizvarwa zvaSharumi, zvaAteri zvaTarimoni zvaAkubhi, nezvaHatita nezvaShobhai zvaiva zana namakumi matatu navapfumbamwe.
43. Vashandi vomutemberi: