Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezira 2:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino ava ndivo vanhu vomudunhu vakadzoka kubva kuutapwa hwavakanga vatapwa, avo vakanga vatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakanga vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake,

2. vakanga vari pamwe chete naZerubhabheri, naJeshua, naNehemia, naSeraya, naReeraya, naModhekai, naBhirishani, naMisipari, naBhigivhai, naRehumi uye naBhaana): Uwandu hwavarume pakati pavaIsraeri:

3. zvizvarwa zvaParoshi zvaiva zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri;

4. zvaShefatia zvaiva mazana matatu namakumi manomwe navaviri;

5. zvaAra zvaiva mazana manomwe namakumi manomwe navashanu;

6. ZvaPahati-Moabhu (vorudzi rwaJeshua naJoabhu) zvaiva zviuru zviviri namazana masere negumi navaviri;

7. zvaEramu zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana;

8. zvaZatu zvaiva mazana mapfumbamwe namakumi mana navashanu;

9. zvaZakai zvaiva mazana manomwe namakumi matanhatu;

10. zvaBhani zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri;

11. zvaBhebhai zvaiva mazana matanhatu namakumi maviri navatatu;

12. zvaAzigadhi zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi maviri namaviri;

Verenga chitsauko zvakakwana Ezira 2