Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 7:8-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Ndava pedyo nokudurura hasha dzangu pamusoro pako ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pako; ndichakutonga zvakafanira mafambiro ako ndigotsiva zvinyangadzo zvako zvose.

9. Handizombokunzwiri ngoni kana kukuponesa; ndichakutsiva zvakafanira mafambiro ako nezvinyangadzo zviri pakati pako. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha ndiri kukurova.

10. “Zuva rasvika! Rauya! Kuparadzwa kwabuda, shamhu yabukira, kuzvikudza kwatumbuka!

11. Kuita nechisimba kwakura kukava shamhu yokuranga zvakaipa; hakuna mumwe wavanhu ava achasara, hakuna pavazhinji vavo ivavo, kana pfuma kana chinokosha.

12. Nguva yauya, zuva rasvika. Mutengi ngaarege kufara uye mutengesi ngaarege kusuwa, nokuti hasha dziri pamusoro pavazhinji vose.

13. Mutengesi haangadzorerwi nyika yaakanga atengesa kana vose vari vaviri vachiri vapenyu, nokuti chiratidzo chakaonekwa pamusoro pavazhinji vose chichazozadziswa. Nokuda kwezvivi zvavo, hakuna kana mumwe wavo achachengetedza upenyu hwake.

14. Kunyange vakaridza hwamanda nokugadzirira zvose, hapana achaenda kuhondo, nokuti hasha dzangu dziri pamusoro pavazhinji vose.

15. “Kunze kuno munondo, mukati mune denda nenzara; vaya vari musango vachafa nomunondo, uye vari muguta vachapedzwa nenzara nedenda.

16. Vose vanorarama vachapukunyuka vachange vari mumakomo, vachirira senjiva dzomumipata, mumwe nomumwe nokuda kwezvivi zvake.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 7