Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 7:18-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Vachafuka nguo dzamasaga uye vachafukidzwa nokutya. Zviso zvavo zvichafukidzwa nenyadzi uye misoro yavo ichaveurwa.

19. Vachakanda sirivha yavo munzira dzomumisha, uye goridhe yavo ichava chinhu chisina kuchena. Sirivha yavo negoridhe ravo hazvingavaponesi pazuva rokutsamwa kwaJehovha. Hazvingapedzi nzara yavo kana kugutsa matumbu avo nazvo, nokuti ndizvo zvakavagumbusa vakapinda muchivi.

20. Vakanga vachizvikudza nokuda kwoukomba hwavo hwakanaka uye vachihushandisa kuita zvifananidzo zvinonyangadza nezviumbwa zvakaipisisa. Naizvozvo ndichashandura izvi, zvikava chinhu chine tsvina kwavari.

21. Ndichazvipa zvose kuvatorwa sezvinhu zvakapambwa uye sepfuma ingapambwa navakaipa venyika, uye vachazvisvibisa.

22. Ndichavafuratira uye vachasvibisa nzvimbo yangu inokosha; mbavha dzichapinda mairi dzigoisvibisa.

23. “Gadzirai ngetani, nokuti nyika izere nokuteura ropa uye guta rizere nokuita nechisimba.

24. Ndichauyisa vanhu vakaipisisa vendudzi kuti vavatorere dzimba dzavo; ndichaita kuti kuzvikudza kwavane simba kugume, uye nzvimbo dzavo tsvene dzichasvibiswa.

25. Kana kutya kwauya, vachatsvaka rugare asi havangaruwani.

26. Kuchauya njodzi pamusoro penjodzi uye guhu pamusoro peguhu. Vachaedza kutsvaka chiratidzo kumuprofita; kudzidziswa murayiro nomuprista kuchashayikwa, namazano anobva kuvakuruwo achashayikwa.

27. Mambo achachema, muchinda achafukidzwa nokuora mwoyo, uye maoko avanhu vomunyika achadedera. Ndichavaitira zvakafanira mafambiro avo, uye ndichavatonga nemitemo yavo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 7