Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 7:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,

2. “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha kunyika yeIsraeri: Kuguma! Kuguma kwasvika kumativi mana enyika.

3. Kuguma kwava pamusoro pako zvino uye ndichatuma kutsamwa kwangu pamusoro pako. Ndichakutonga zvakafanira tsika dzako ndigotsiva zvinyangadzo zvako zvose.

4. Handizokunzwiri ngoni kana kukuponesa; zvirokwazvo ndichakutsiva zvakafanira tsika dzako nezvinyangadzo zviri pakati pako. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha.

5. “Zvanzi naIshe Jehovha: Njodzi! Njodzi isina kumbonzwikwa nezvayo iri kuuya!

6. Kuguma kwasvika! Kuguma kwasvika! Kwamuka kuti kuzokurwisai. Kwauya! Kuparadzwa kwauya pamusoro pako, iwe ugere panyika.

7. Nguva yasvika, zuva rava pedyo; pava nokutya, kwete mufaro, pamusoro pamakomo.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 7