Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 6:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2. “Mwanakomana womunhu, rinzira meso ako kumakomo eIsraeri; uprofite pamusoro pawo

3. uchiti, ‘Imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha. Zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nezvikomo, kuhova nokumipata: Ndava pedyo nokuuyisa munondo kuti uzokurwisai, uye ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira.

4. Aritari dzenyu dzichaondomorwa uye aritari dzenyu dzezvinonhuwira dzichaputswa; uye ndichauraya vanhu venyu pamberi pezvifananidzo zvenyu.

5. Ndicharadzika zvitunha zvavaIsraeri pamberi pezvifananidzo zvavo, uye ndichaparadzira mapfupa enyu pamativi ose earitari dzenyu.

6. Pose pamunogara, maguta achaparadzwa uye nzvimbo dzakakwirira dzichakoromorwa, kuitira kuti aritari dzenyu dziparadzwe ave matongo, zvifananidzo zvenyu zvipwanyiwe uye zviparadzwe, aritari dzenyu dzezvinonhuwira dziputsirwe pasi, uye zvamakaita zvipedzwe chose.

7. Vanhu venyu vachawira pasi ivo vaurayiwa pakati penyu, uye muchaziva kuti ndini Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 6