Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 46:12-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Kana muchinda achipa chipiriso chokungopa kuna Jehovha, chingava chipiriso chinopiswa kana chokuwadzana, suo rakatarisa kumabvazuva rinofanira kumuzarurirwa iye. Achapa chipiriso chake chinopiswa kana chipiriso chokuwadzana sezvaanoita nomusi weSabata. Ipapo anofanira kuzobuda kunze, uye shure kwokubuda kwake, suo richapfigwa.

13. “ ‘Zuva rimwe nerimwe unofanira kupa gwayana rine gore rimwe chete risina kuremara kuti rive chipiriso chinopiswa kuna Jehovha; mangwanani oga oga unofanira kuuya naro.

14. Unofanira kuuyawo nechipiriso chezviyo chine mugove wechitanhatu weefa, nechetatu chehini yamafuta okunyorovesa upfu, mangwanani oga oga. Kupiwa kwechipiriso ichi kuna Jehovha, mutemo unogara nokusingaperi.

15. Saka gwayana nechipiriso chezviyo namafuta zvichafanira kuuyiwa nazvo mangwanani oga oga kuti zvive chipiriso chinopiswa nguva dzose.

16. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muchinda achipa chipo chinobva panhaka yake kuno mumwe wavanakomana vake, chichavawo chezvizvarwa zvake zvinotevera, chichava chavo chenhaka.

17. Kunyange zvakadaro, kana akapa chipo kubva panhaka yake kuno mumwe wavaranda vake, muranda uyu angachichengeta hake kusvikira pagore rokusununguka; ipapo chichadzoserwa kumuchinda. Nhaka yake ndeyavanakomana vake chete; ndeyavo.

18. Muchinda haafaniri kutora nhaka ipi zvayo yavanhu, achivadzinga pazvinhu zvavo. Iye anofanira kupa vanakomana vake nhaka yavo inobva pane zvake, kuitira kuti vanhu vangu varege kuparadzaniswa nezvinhu zvavo.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 46