Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 45:10-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Munofanira kushandisa zviyero zvakarurama, efac yakarurama uye bhatid rakarurama.

11. Efa nebhati zvinofanira kuenzana, bhati rine chegumi chimwe chete chehomerie neefa ine chegumi chimwe chete chehomeri; homeri ndicho chinofanira kuva chiyero chazvo zvose.

12. Shekerif rinofanira kuva namagera makumi maviri. Mashekeri makumi maviri kusanganisa namashekeri makumi maviri namashanu, kusanganisa namashekeri gumi namashanu zvinokwana mina rimwe cheteg.

13. “ ‘Ichi ndicho chipo chakatsaurwa chaunofanira kupa: chetanhatu cheefa chichibva pahomeri rimwe nerimwe rebhari.

14. Nechiyero chakatarwa chamafuta, chakayerwa nebhati, ndicho chegumi chebhati kubva pakori imwe neimwe (ina mabhati gumi kana homeri rimwe chete, pamabhati gumi anoenzana nehomeri rimwe chete).

15. Uyewo gwai rimwe chete rinofanira kutorwa kubva paboka rimwe nerimwe ramazana maviri achibva kumafuro akanyatsodiridzwa aIsraeri. Izvi zvichashandiswa pazvipiriso zvezviyo, nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana kuti zviyananisire vanhu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

16. Vanhu vose venyika vachabatirana pachipo ichi chakatsaurirwa kushandiswa nomuchinda muIsraeri.

17. Richava basa romuchinda kuti auye nezvibayiro zvinopiswa, nezvezviyo nezvokunwa pamitambo yakatarwa, pakugara kwomwedzi napamaSabata, napamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsraeri. Achauya nezvipiriso zvezvivi, nezvipiriso zvezviyo, nezvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana kuti ayananisire imba yaIsraeri.

18. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Mumwedzi wokutanga pazuva rokutanga unofanira kutora hando duku isina kuremara ugonatsa nzvimbo tsvene.

19. Muprista anofanira kutora rimwe reropa rechipiriso chechivi agoriisa pamagwatidziro emikova yetemberi, pamakona mana omusara wapamusoro wearitari uye napambiru dzamasuo omuruvazhe rwomukati.

20. Munofanira kuita zvimwe chetezvo pazuva rechinomwe romwedzi kuna ani zvake asina kutadza nobwoni kana nokusaziva; saka munofanira kuyananisira temberi.

21. “ ‘Mumwedzi wokutanga pazuva regumi namana munofanira kucherechedza Pasika, mutambo unopedza mazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso pamazuva iwayo.

22. Pazuva iro, muchinda anofanira kuuya nehando sechipiriso chechivi chake iye nechavanhu vose venyika.

23. Zuva rimwe nerimwe pamazuva manomwe aya oMutambo, anofanira kuuya nehando nomwe namakondohwe manomwe asina chaanopomerwa sechibayiro chinopiswa kuna Jehovha, nenhongo yembudzi yechipiriso chechivi.

24. Anofanira kuuya nechipiriso chezviyo paefa imwe chete pahando imwe neimwe, uyewo efa pagondohwe rimwe nerimwe, pamwe chete nehinih yamafuta paefa imwe neimwe.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 45