Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 45:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “ ‘Pamunogovera nyika senhaka, munofanira kutsaurira Jehovha mugove wenyika sedunhu dzvene, rakareba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu rine upamhi hwezviuru makumi maviri amakubhiti; nzvimbo yose iyoyo ichava tsvene.

2. Panzvimbo iyoyi, chikamu chinosvika makubhiti mazana mashanu paupamhi uye panofanira kuva neimwe nzvimbo yakaipoteredza inosvika makubhiti makumi mashanu paupamhi uye panofanira kuva neimwe nzvimbo inosvika makubhiti makumi mashanu.

3. Mudunhu dzvene, unofanira kuyera chikamu chinosvika makubhiti zviuri makumi maviri nezvishanua paurefu uye makubhiti zviuru gumib paupamhi. Imomo ndimo muchava nenzvimbo tsvene, iyo Nzvimbo Tsvene-tsvene.

4. Ichava chikamu chitsvene chenyika yavaprista, vanoshumira munzvimbo tsvene vanoswedera kuti vashumire pamberi paJehovha. Ichava nzvimbo yedzimba dzavo uyewo nenzvimbo tsvene yeimba tsvene.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 45