Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 44:14-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Asi hazvo ndichavaita vatariri vamabasa omutemberi nebasa rose rinofanira kuitwamo.

15. “ ‘Asi vaprista, ivo vaRevhi nezvizvarwa zvaZadhoki, vakaita mabasa avo omunzvimbo yangu tsvene nokutendeka panguva yakatsauka vaIsraeri kubva kwandiri, ndivo vanofanira kuswedera kwandiri kuti vashumire pamberi pangu; vanofanira kumira pamberi pangu kuti vabayire zvibayiro zvamafuta neropa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

16. Ivo chete ndivo vanofanira kupinda munzvimbo yangu tsvene; ndivo chete vanofanira kuswedera patafura yangu kuti vashumire pamberi pangu nokuita basa rangu.

17. “ ‘Pavanopinda pamasuo omuruvazhe rwomukati, vanofanira kupfeka nguo dzomucheka, havafaniri kupfeka nguo dzamakushe pavanenge vachishumira pamasuo oruvazhe rwomukati kana mukati metemberi.

18. Vanofanira kupfeka ngowani dzomucheka pamisoro yavo uye nguo dzomukati dzomucheka muzviuno zvavo. Havafaniri kufuka chinhu chinovaitisa ziya.

19. Pavanobuda vachipinda muruvazhe rwokunze kunova ndiko kuna vanhu, vanofanira kubvisa nguo dzavanga vachishumira nadzo vagodzisiya mumakamuri matsvene, vagopfeka dzimwe nguo, kuti varege kunatsa vanhu nenguo dzavo.

20. “ ‘Havafaniri kuveura misoro yavo kana kurega bvudzi ravo richireba, asi vanofanira kugara vakachekerera bvudzi remisoro yavo.

21. Muprista haafaniri kunwa waini panguva yaanopinda muruvazhe rwomukati.

22. Havafaniri kuwana chirikadzi kana mukadzi akarambwa, vanofanira kuwana mhandara dzorudzi rwaIsraeri kana chirikadzi dzavaprista.

23. Vanofanira kudzidzisa vanhu vangu mutsauko wezvitsvene nezvinhu zvisati zviri zvitsvene nokuvaratidza kusiyana kuri pakati pechisakachena nechakachena.

24. “ ‘Vaprista vanofanira kushanda savatongi, pagakava ripi zvaro, uye vanofanira kutonga zviri pamitemo yangu. Vanofanira kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu pamitambo yose yakatarwa uye vanofanira kuchengetedza maSabata angu ave matsvene.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 44