Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 39:20-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Patafura yangu muchadya mabhiza navatasvi vavo, varume vane simba navarwi vemhando dzose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

21. “Ndicharatidza kubwinya kwangu pakati pendudzi, uye nduzi dzose dzichaona kuranga kwandinoita noruoko rwandinoisa pamusoro pavo.

22. Kubva pazuva iro zvichienda mberi, imba yaIsraeri ichaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.

23. Uye ndudzi dzichaziva kuti vanhu vaIsraeri vakaenda kuutapwa nokuda kwechivi chavo, nokuti vakanga vasina kutendeka kwandiri. Saka ndakavavanzira chiso changu ndikavaisa mumaoko avavengi vavo, uye vose vakaurayiwa nomunondo.

24. Ndakavaitira zvakafanira kusachena kwavo uye kudarika kwavo, uye ndakavavanzira chiso changu.

25. “Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Zvino ndichabvisa Jakobho kubva mukutapwa uye ndichanzwira tsitsi vanhu vose veIsraeri, uye ndichashingairira zita rangu dzvene.

26. Vachakanganwa kunyadziswa kwavo nokusatendeka kwavo kwose kwavakaratidza kwandiri pavakagara zvakanaka munyika yavo pasina aivavhundusa.

27. Pandichavadzosa kubva kundudzi nokuvaunganidza vachibva kunyika dzavavengi vavo, ndicharatidza utsvene hwangu kubudikidza navo pamberi pendudzi zhinji.

28. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, nokuti kunyange ndakavadzingira kuutapwa pakati pendudzi, ndichavaunganidza munyika yavo, pasina wandinosiya.

29. Handingazovavanzirizve chiso changu, nokuti ndichadurura Mweya wangu pamusoro peimba yaIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 39