Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 39:12-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. “ ‘Imba yaIsraeri ichapedza mwedzi minomwe ichivaviga kuitira kuti nyika inatswe.

13. Vanhu vose vomunyika vachavaviga, uye zuva rokukudzwa kwangu richava zuva ravacharangarira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

14. “ ‘Vachapa vanhu basa rokuchenesa nyika nguva dzose. Vamwe vachapota nenyika yose uye, kubatanidza naivavo vamwe vachaviga vaya vakasiyiwa vachingova pachena. Mushure memwedzi vachazotanga kutsvaga.

15. Pavachange vachipota nenyika, kana mumwe akaona bvupa romunhu, achaisapo chiratidzo parutivi rwaro kusvikira vacheri vamarinda variviga muMupata waHamoni Gogi.

16. Uyezve, pachava neguta rinonzi Hamona ipapo. Nokudaro vachanatsa nyika.’

17. “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha: Danidzira kumarudzi ose eshiri uye nemhuka dzose dzesango uti, ‘Unganai uye muve pamwe chete muchibva kwose kwose muuye kuchibayiro chandiri kukugadzirirai, chibayiro chikuru pamusoro pamakomo eIsraeri. Muchadya nyama nokunwa ropa ipapo.

18. Muchadya nyama yavarume vane simba nokunwa ropa ramachinda enyika kunge ramakondohwe, neremakwayana, nerembudzi uye rehando, mhuka dzose dzakakodzwa dzinobva kuBhashani.

19. Pachibayiro chandinokugadzirirai, muchadya mafuta kusvikira makorwa nawo, nokunwa ropa kusvikira madhakwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 39