Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 34:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2. “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavafudzi vaIsraeri; profita uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vafudzi vaIsraeri vanongova nehanya yokuzvifudza pachavo! Ko, vafudzi havafaniri kufudza makwai here?

3. Munodya ruomba, munozvifukidza namakushe muchiuraya makwai akakora, asi hamuna hanya namakwai.

4. Hamuna kusimbisa asina simba kana kurapa anorwara kana kusunga akakuvara. Hamuna kutsvaka akarasika kana kudzosa akadzingwa. Makaabata nehasha noutsinye.

5. Saka akapararira nokuti kwakanga kusina mufudzi, uye paakapararira akava zvokudya zvezvikara zvesango.

6. Makwai angu akadzungaira pamusoro pamakomo napazvikomo zvose. Akaparadzirwa panyika yose, uye hakuna akaaronda kana kuatsvaka.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 34