Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 33:28-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Nyika ndichaiita dongo rakaparadzwa, uye simba rokuzvikudza kwayo kuchasvika kumagumo, uye makomo aIsraeri achaparadzwa zvokuti hakuna achaadarika.

29. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichashandura nyika ikava dongo rakaparadzwa nokuda kwezvinonyangadza zvavakaita.’

30. “Asi kana uriwe, mwanakomana womunhu, vanhu venyika yako vanotaurirana pamwe chete pamusoro pako pamasvingo uye napamikova yedzimba, vachiti kuno mumwe nomumwe wavo. ‘Uyai munzwe shoko rabva kuna Jehovha.’

31. Vanhu vangu vanouya kwauri, sezvavanosiita, ndokugara pamberi pako kuti vateerere kumashoko ako, asi havaaiti. Vanondirumbidza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo inokarira pfuma yokusarurama.

32. Zvirokwazvo, iwe wakaita somunhu anoimba rwiyo rworudo kwavari nezwi rakaisvonaka nokuridza chiridzwa zvakanaka, nokuti vanonzwa mashoko ako asi havaaiti.

33. “Panoitika izvi zvose, uye zvichaitika zvirokwazvo, ipapo vachaziva kuti muprofita akanga ari pakati pavo.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 33