Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 32:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mugore regumi namaviri, nomwedzi wegumi namaviri pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2. “Mwanakomana womunhu, itira Faro mambo weIjipiti mariro uti kwaari: “ ‘Iwe wakafanana neshumba pakati pendudzi; wakaita seshato mukati mamakungwa uchibvongodzabvongodza mukati mehova dzako, ukabvongodza mvura netsoka dzako uye ukasvibisa hova.

3. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Neboka ravanhu vazhinji ndichakanda mambure angu pamusoro pako, uye vachakukweva mumumbure wangu.

4. Ndichakukanda panyika ndichakurasira pamhene. Ndichamharisa shiri dzose dzedenga pamusoro pako, uye zvikara zvose zvomunyika zvichagutswa newe.

5. Ndichayanika nyama yako pamakomo, ndigozadza mipata nezvitunha zvako.

6. Ndichadiridza nyika neropa rako rinenge richiyerera kusvikira kumakomo, uye nzizi dzichazadzwa nenyama yako.

7. Pandichakudzima, ndichafukidza matenga uye ndichasvibisa nyeredzi; ndichafukidza zuva mugore, uye mwedzi haungabudisi chiedza chawo.

8. Zviedza zvose zvinopenya zvedenga ndichazvidzima pamusoro pako; ndichauyisa rima pamusoro penyika yako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 32