Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 28:7-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. ndava kuzouyisa vatorwa kuti vazokurwisa, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi dzose, vachavhomora minondo yavo kuti varwise kunaka nokuchenjera kwako, vagosvibisa kupenya kwokubwinya kwako.

8. Vachakuburutsira kugomba, uye uchafa rufu runorwadza pakati pomwoyo wamakungwa.

9. Ipapo uchati here, “Ndiri mwari,” pamberi pavanokuuraya? Uchava munhu chete, kwete mwari, mumaoko aivo vanokuuraya.

10. Uchafa rufu rwomunhu asina kudzingiswa pamaoko avatorwa. Ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

11. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

12. “Mwanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro ugoti kwaari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Iwe wakanga uri muenzaniso wokukwana, uzere nouchenjeri wakakwana parunako.

13. Wakanga uri muEdheni, bindu raMwari; wakashongedzwa namatombo ose anokosha anoti: rubhi, tapazi neemeraridhi, krisorite, onikisi, jasipa, safuri, turikoise nebheriri. Urongwa nezvitsigiro zvako zvakanga zvakagadzirwa negoridhe; zvakagadzirwa pazuva rokusikwa kwako.

14. Iwe wakazodzwa sekerubhi rinorinda, nokuda kwaizvozvo ndakakugadza. Wakanga uri pamusoro pegomo dzvene raMwari; wakanga uchifamba pakati pamabwe omoto.

15. Wakanga usina chaungapomerwa panzira dzako, kubva pazuva rawakasikwa kusvikira kuipa pakwazowanikwa mauri.

16. Nokuwanda kwokushambadzira kwako wakabva wazara nechisimba, ndokubva watadza. Saka ndakakudzinga mukunyadziswa kubva pagomo raMwari, uye ndakakudzinga, iwe kerubhi rokurinda, kuti ubve pakati pamabwe omoto.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 28