Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 28:23-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Ndichatuma denda pamusoro paro uye ndichaita kuti ropa riyerere munzira dzaro. Vakaurayiwa vachawira mariri, nomunondo uchirirwisa kumativi ose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.

24. “ ‘Vanhu veIsraeri havachazovizve navavakidzani vanovagodora vachivarwadzisa sorukato runopinza. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.

25. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pandinounganidza vanhu veIsraeri kubva kundudzi kwavakanga vakaparadzirwa, ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene pakati pavo pamberi pendudzi. Ipapo vachagara munyika yavo pachavo, yandakapa muranda wangu Jakobho.

26. Vachagaramo norugare uye vachavaka dzimba nokusima minda yemizambiringa; vachagara norugare pandicharanga vavakidzani vavo vose vanovagodora. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 28