Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 24:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mugore rechipfumbamwe, nomwedzi wegumi pazuva regumi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2. “Mwanakomana womunhu, nyora zita rezuva iri, zuva iro rino chairo, nokuti mambo weBhabhironi akomba Jerusarema pazuva irori.

3. Taurira imba yokumukira iyi mufananidzo, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Gadza hadyana; igadze ugodira mvura mairi.

4. Uise mairi nhindi dzenyama, nhindi dzakanaka, gumbo nebandauko. Uizadze namapfupa akaisvonaka aya;

5. utore gwai rakasanangurwa. Uise huni pasi payo kuitira mapfupa; uivirise ugobika mapfupa imomo.

6. “ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Rine nhamo guta rinoteura ropa, nehadyana ine ngura, mukati mayo, ine ngura isingabvi. Budisai nhindi imwe neimwe musingakandi mijenya nokuda kwadzo.

7. “ ‘Nokuti ropa rarakateura riri pakati paro: Rakaridururira paruware pasina chinhu; harina kuriteurira pavhu, paringafukidzwa neguruva.

8. Kuti ndimutse hasha dzangu ndigotsiva ndakaisa ropa raro paruware pasina chinhu kuti rirege kufukidzwa.

9. “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Rine nhamo guta rinoteura ropa! Neniwo, ndichaunganidza huni dzakawanda.

10. Saka tutira huni ugobatidza moto. Ubike nyama zvakanaka, uchisanganisa nezvinonhuwira; uye urege mapfupa atsve.

11. Ipapo ugoisa hadyana isina chinhu pamazimbe kusvikira yapisa ndarira yayo yan'aima kuti kusachena kwayo kunyauke uye tsvina yayo itsve yose.

12. Zvakunda kushingaira kwangu kwose; tsvina yayo zhinji haina kubviswa, kunyange nomoto chaiwo.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 24