Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 23:39-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

39. Pazuva ravakabayira vana vavo, kuzvifananidzo zvavo, vakapinda munzvimbo yangu tsvene vakaisvibisa. Ndizvo zvavakaita mumba mangu.

40. “Vakatuma kunyange nenhume kundodana varume uye pavakasvika iwe wakazvishambidza nokuda kwavo, ukazodza meso ako ndokuzvishongedza noukomba.

41. Wakagara panhoo yakaisvonaka ine tafura yakagadzikwa pamberi payo pawakanga wakaisa zvinonhuwira namafuta akanga ari angu.

42. “Mheremhere yavanhu vakanga vasina hanya yakanga yakamukomberedza: VaSabhea vakaunzwa kubva kugwenga pamwe chete navarume vaibva pamhomho yavanhu vezhowezhowe, uye vakashongedza mabhenguro mumaoko omukadzi nomunun'una wake nekorona dzakaisvonaka pamisoro yavo.

43. Ipapo ndakati pamusoro paiye akanga apera noufeve, ‘Zvino ngavamushandise sechifeve, nokuti ndizvo zvaari.’

44. Ipapo vakavata naye. Sokuvata kunoita varume nechifeve, saizvozvo vakavata navakadzi nzenza, ivo vana Ohora naOhoribha.

45. Asi vanhu vakarurama vachavatonga nechirango chinopiwa vakadzi vanoita ufeve nokuteura ropa, nokuti ivo zvifeve uye ropa riri pamaoko avo.

46. “Zvanzi naIshe Jehovha: Uyai neboka ravarwi vazovarwisa muvatyise nokuvapamba.

47. Mhomho ichavatema namabwe nokuvabaya neminondo; vachauraya vanakomana vavo navanasikana vavo vagopisa dzimba dzavo.

48. “Saka ndichagumisa unzenza panyika, kuti vakadzi vose vayambirwe vagorega kutevedzera.

49. Ucharangwa nokuda kwounzenza hwako uye uchatakura mubayiro wezvivi zvokufeva kwako. Ipapo uchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 23