Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 22:3-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. uti, “Zvanzi naIshe Jehovha: Haiwa iwe guta rinozvitsvakira kuparadzwa nokuda kwokuteura ropa pakati paro, nokuzvisvibisa nokuita zvifananidzo,

4. wava nemhosva nokuda kweropa rawakateura uye wakasvibiswa nokuda kwezvifananidzo zvawakaita. Wakasvitsa mazuva ako pamagumo, uye magumo amakore ako asvika. Naizvozvo ndichakuita chinhu chinoshorwa nendudzi nechinosekwa nenyika dzose.

5. Vari pedyo newe navari kure vachakuseka, iwe guta rinonyadza, rizere nebope.

6. “ ‘Tarira uone muchinda mumwe nomumwe waIsraeri ari pakati pako mateuriro aanoita ropa achishandisa simba rake.

7. Vakazvidza baba namai vari mauri; vakamanikidza mutorwa uye nherera nechirikadzi dziri mukati mako havana kudzibata zvakanaka.

8. Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene uye wakasvibisa maSabata angu.

9. Mukati mako mune vanhu vane makuhwa, vanofarira pakuteura ropa; mukati mako muna vanhu vanodyira kushongwe dzokumakomo uye vanoita mabasa eunzenza.

10. Mukati mako muna vanhu vasingakudzi nhoo dzamadzibaba avo, mukati mako muna vanhu vanochinya vakadzi panguva yavanenge vari kumwedzi, pavanenge vasina kuchena.

11. Mukati mako mune mumwe munhu anoita zvinonyangadza nomukadzi womuvakidzani wako, mumwe anochinya mukadzi womwana wake zvinonyadzisa, uye mumwe anochinya hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake chaivo.

12. Mukati mako muna varume vanogamuchira fufuro kuti vateure ropa; unotora mhindu inopfuura mwero, uchizviwanira pfuma yokubiridzira kubva kuvavakidzani vako. Uye wakandikanganwa ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 22