Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 22:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2. “Mwanakomana womunhu, ucharitonga here? Ucharitonga here guta iri rokudeura ropa? Ipapo urizivise mabasa aro ose anonyangadza

3. uti, “Zvanzi naIshe Jehovha: Haiwa iwe guta rinozvitsvakira kuparadzwa nokuda kwokuteura ropa pakati paro, nokuzvisvibisa nokuita zvifananidzo,

4. wava nemhosva nokuda kweropa rawakateura uye wakasvibiswa nokuda kwezvifananidzo zvawakaita. Wakasvitsa mazuva ako pamagumo, uye magumo amakore ako asvika. Naizvozvo ndichakuita chinhu chinoshorwa nendudzi nechinosekwa nenyika dzose.

5. Vari pedyo newe navari kure vachakuseka, iwe guta rinonyadza, rizere nebope.

6. “ ‘Tarira uone muchinda mumwe nomumwe waIsraeri ari pakati pako mateuriro aanoita ropa achishandisa simba rake.

7. Vakazvidza baba namai vari mauri; vakamanikidza mutorwa uye nherera nechirikadzi dziri mukati mako havana kudzibata zvakanaka.

8. Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene uye wakasvibisa maSabata angu.

9. Mukati mako mune vanhu vane makuhwa, vanofarira pakuteura ropa; mukati mako muna vanhu vanodyira kushongwe dzokumakomo uye vanoita mabasa eunzenza.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 22