Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 21:4-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Nokuti ndichaparadza vakarurama navakaipa, munondo wangu uchabuda mumuhara kundorwa navose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro.

5. Ipapo vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndavhomora munondo wangu kubva mumuhara wawo; hauchazodzokerimozve.’

6. “Naizvozvo, gomera, mwanakomana womunhu! Gomera pamberi pavo nomwoyo wakapwanyika uye nokuchema neshungu.

7. Zvino pavanokubvunza vachiti, ‘Unogomereiko?’ iwe uchati kwavari, ‘Nemhaka yamashoko ari kuuya. Mwoyo mumwe nomumwe uchanyauka uye ruoko rumwe norumwe rucharemara, mweya mumwe nomumwe uchaziya uye ibvi rimwe nerimwe richarukutika semvura.’ Zviri kuuya! Zvirokwazvo zvichaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

8. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

9. “Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naJehovha, “Munondo, munondo, wakarodzwa uye wakapukutwa,

10. wakarodzerwa kuuraya, wakapukutirwa kuti upenye semheni! “ ‘Tichagofara here netsvimbo youshe yomwanakomana wangu Judha? Munondo unozvidza zvimiti zvose zvakadai.

11. “ ‘Munondo wakagadzirirwa kuti upukutwe, kuti ubatwe noruoko; wakarodzwa nokupukutwa, wakagadzirirwa kuiswa muruoko rwomuurayi.

12. Chema uye uungudze, mwanakomana womunhu, nokuti unorwa navanhu vangu; unorwa namachinda ose aIsraeri. Vakakandwa kumunondo, pamwe chete navanhu vangu. Naizvozvo uzvirove chipfuva.

13. “ ‘Kuedzwa kuri kuuya zvirokwazvo. Ko, kana tsvimbo youshe yaJudha, iyo inozvidzwa nomunondo, ikasaenderera mberi chii chinoitika? ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’

14. “Saka zvino, mwanakomana womunhu, profita uye urovanise maoko ako pamwe chete. Rega munondo ubaye kaviri, kunyange katatu. Ndiwo munondo wokuuraya, iwo munondo wokuuraya kukuru, uri kuuya kwavari kubva kumativi ose.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 21