Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 20:41-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

41. Ndichakugamuchirai somunhuwi unonhuwira pandichakubudisai kubva kundudzi nokukuunganidzai muchibva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri uye ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene kwamuri pamberi pendudzi.

42. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndakuisai munyika yeIsraeri, nyika yandakapikira kupa madzibaba enyu noruoko rwakasimudzwa.

43. Mucharangarira mafambiro enyu ikoko nezviito zvose zvamakazvisvibisa nazvo uye muchazvisema pachenyu nokuda kwezvakaipa zvose zvamakaita.

44. Muchaziva kuti ndini Jehovha, pandichakuitirai izvozvo nokuda kwezita rangu kwete nokuda kwenzira dzenyu dzakaipa nezvakaora zvamakaita imi imba yaIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

45. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

46. “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rwezasi; uparidze pamusoro porutivi rwezasi uye uprofite pamusoro pesango renyika yezasi.

47. Uti kusango rezasi, ‘Inzwa shoko raJehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokukupisa nomoto, uye uchaparadza miti yako yose, zvose minyoro neyakaoma. Kuririma kwomurazvo hakungadzimwi, uye zviso zvose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro zvichapiswa nawo.

48. Mumwe nomumwe achaona kuti ini Jehovha ndini ndaubatidza; haungadzimwi.’ ”

49. Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Jehovha! Vanoti pamusoro pangu, ‘Ko, haasi kungotaura mifananidzo here?’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 20