Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 20:24-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Nokuti vakanga vasina kuteerera mirayiro yangu asi vakanga varamba mitemo yangu uye vakasvibisa maSabata angu, uye meso avo akachiva zvifananidzo zvamadzibaba avo.

25. Ndakavapawo mitemo yakanga isina kunaka uye nemirayiro yavakanga vasingagoni kurarama nayo,

26. ndakaita kuti vasvibiswe nezvipo zvavo, zvibayiro zvamatangwe ose, kuti ndivazadze nokutya kukuru kuti vagoziva kuti ndini Jehovha.’

27. “Naizvozvo, mwanakomana womunhu, taura kuvanhu veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muna izvozviwo madzibaba enyu akandimhura nokundisiya:

28. Pandakavauyisa munyika yandakanga ndapika kuti ndichavapa uye vakaona chikomo chipi zvacho chakakwirira kana muti upi zvawo una mashizha, vakabayira zvibayiro zvavo ipapo, vakapa zvipiriso zvakanditsamwisa, vachipa zvinonhuwira zvavo uye vakadurura zvipiriso zvavo zvinonwiwa ipapo.

29. Ipapo ndakati kwavari: Ko, nzvimbo iyi yakakwirira yamunoenda kwairi ndeyei?’ ” (Zita rayo inonzi Bhama kusvikira zuva ranhasi.)

30. “Naizvozvo uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muchazvisvibisa sezvakaita madzibaba enyu here nokuchiva zvifananidzo zvavo zvinonyangadza?

31. Pamunopa zvipo zvenyu, zvibayiro zvavanakomana venyu mumoto, munoramba muchizvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira nhasi. Ini ndingatenda kubvunzwa nemi here imi imba yaIsraeri? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handizombokutenderei kuti mundibvunze.

32. “ ‘Imi munoti, “Tinoda kufanana nendudzi, savanhu vedzimwe nyika, vanoshumira matanda namatombo.” Asi zviri mundangariro dzenyu hazvimboitiki.

33. Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakutonga nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa.

34. Ndichakudzosai kubva kundudzi ndigokuunganidzai kubva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri, nechanza chine simba uye noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa.

35. Ndichakuyisai kurenje rendudzi ndigokutongai ikoko takatarisana chiso nechiso.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 20