Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 2:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Uye iwe, mwanakomana womunhu, usavatya kana mashoko avo. Usatya, kunyange wakakombwa neminzwa norukato uye ugere pakati pezvinyavada. Usatya zvavanotaura kana kuvhundutswa navo, kunyange vari imba inomukira.

7. Unofanira kutaura mashoko angu kwavari kunyange vakateerera kana vakaramba kuteerera, nokuti ivo vanondimukira.

8. Asi iwe, mwanakomana womunhu, teerera zvandinokuudza. Usandimukira sezvinoita imba iyo inondimukira; shama muromo wako udye zvandinokupa.”

9. Ipapo ndakatarira, ndikaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri. Marwuri makanga mune gwaro,

10. rakapetenurwa pamberi pangu. Rakanga rakanyorwa kumativi aro ose mashoko amariro nokuchema nenhamo.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 2