Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 2:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, simuka netsoka dzako ini nditaure newe.”

2. Akati achitaura, Mweya wakapinda mandiri ukandisimudza netsoka dzangu, ndikamunzwa achitaura neni.

3. Akati, “Mwanakomana womunhu, ndiri kukutuma kuvaIsraeri, kurudzi runomukira irwo rwakandimukira; ivo namadzibaba avo vanga vachingondipandukira kusvikira zuva ranhasi.

4. Vanhu vandinokutuma kwavari, vakavangarara uye vakasindimara. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha.’

5. Uye kunyange vakanzwa kana kuramba kunzwa, nokuti ivo imba inomukira, vachaziva kuti muprofita akanga ari pakati pavo.

6. Uye iwe, mwanakomana womunhu, usavatya kana mashoko avo. Usatya, kunyange wakakombwa neminzwa norukato uye ugere pakati pezvinyavada. Usatya zvavanotaura kana kuvhundutswa navo, kunyange vari imba inomukira.

7. Unofanira kutaura mashoko angu kwavari kunyange vakateerera kana vakaramba kuteerera, nokuti ivo vanondimukira.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 2