Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 19:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Chema urire pamusoro pamachinda eIsraeri

2. uti: “ ‘Mai vako vaiva shumbakadzi yakadii pakati peshumba! Yaivata pasi pakati peshumba duku uye yairera vana vayo.

3. Yakarera mumwe mwana wayo, ikava shumba yakasimba. Yakadzidza kubvambura nyama, uye yaidya vanhu.

4. Ndudzi dzakanzwa nezvayo, dzikaibata muhunza yadzo. Vakaenda nayo nezvikokovono kunyika yeIjipiti.

5. “ ‘Yakati ichiona kuti tariro yayo haina kuzadziswa, yarasikirwa nezvayakanga yakatarisira, Yakatora mumwe wevana vayo ndokumuita shumba yakasimba.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 19