Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 18:6-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Haadyiri pashongwe dzamakomo kana kutarira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri. Haasvibisi mukadzi womuvakidzani wake, kana kuvata nomukadzi ari kumwedzi.

7. Haamanikidzi mumwe munhu, asi anodzorera rubatso rwaakatora pachikwereti. Haaiti zvougororo, asi anopa zvokudya zvake kune vane nzara.

8. Haarevi chimbadzo paanokweretesa kana kutora mhindu yakakurisa. Anodzivisa ruoko rwake kuita zvakaipa, uye anotonga zvakarurama pakati pomunhu nomunhu.

9. Anotevera mitemo yangu, uye anochengeta mirayiro akatendeka. Munhu uyo akarurama; zvirokwazvo achararama, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

10. Ngatiti ane mwanakomana anoita zvechisimba, anoteura ropa kana chimwe chezvinhu izvi

11. (kunyange baba vake vasina kumboita chimwe chazvo): “Anodya pashongwe dzamakomo Anochinya mukadzi womuvakidzani wake.

12. Anomanikidza varombo navanoshayiwa. Anoita zvougororo. Haadzoreri zvaakakwereta. Anotarisira kuzvifananidzo. Anoita zvinonyangadza.

13. Anokweretesa achireva chimbadzo uye anotora mhindu yakakura. Munhu akadaro achararama here? Kwete, haangararami! Nokuda kwokuti akaita zvinhu izvi zvinonyangadza, achafa, zvirokwazvo, uye ropa rake richava pamusoro pake.

14. “Asi ngatimboti, mwanakomana uyu ano mwanakomana anoona zvivi zvose zvinoitwa nababa vake, uye kunyange achivaona, haaiti zvinhu zvakadai:

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 18