Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 18:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2. “Munoreveiko vanhu imi zvamunotaura tsumo iyi pamusoro penyika yeIsraeri, muchiti, “ ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava, uye meno avana akaita ugugu’?

3. “Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, hamuchazotaurizve tsumo iyi muIsraeri.

4. Nokuti mweya mupenyu mumwe nomumwe ndowangu, baba pamwe chete nomwanakomana vose saizvozvo ndevangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa.

5. “Ngatiti pane munhu akarurama anoita nokururamisira uye nokururama.

6. Haadyiri pashongwe dzamakomo kana kutarira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri. Haasvibisi mukadzi womuvakidzani wake, kana kuvata nomukadzi ari kumwedzi.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 18