Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 17:20-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Ndichamuteya nomumbure wangu, uye achabatwa nomusungo wangu. Ndichamuuyisa kuBhabhironi ndigomutongerako nokuti akanga asina kutendeka kwandiri.

21. Mauto ake anotiza achaurayiwa nomunondo, uye vakasara vavo vachaparadzirwa kunobva mhepo dzose. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha ndazvitaura.

22. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ini iyeni ndichatora bukira rinobva pamusoro chaipo pomusidhari ndigorisima; ndichavhuna davi nyoro kubva pabukira rapamusoro-soro ndigorisima pamusoro pegomo refu rakakwirira.

23. Pamusoro-soro pamakomo eIsraeri ndipo pandicharisima; richibudisa matavi ndokubereka muchero ugova musidhari unoyevedza. Shiri dzemhando dzose dzicharukira matendere adzo pauri; dzichawana ugaro pamumvuri wamatavi awo.

24. Miti yose yomusango ichaziva kuti ini Jehovha ndinodzikisa miti yakareba nokuita kuti miti mipfupi irebe. Ndinoomesa muti munyoro uye nokukurisa muti wakaoma. “ ‘Ini Jehovha ndazvitaura, uye ndichazviita.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 17