Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 16:58-63 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

58. Uchazvitakurira zvibereko zvounzenza hwako namabasa ako anonyangadza, ndizvo zvinotaura Jehovha.

59. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakuitira zvakakufanira, nokuti wakazvidza mhiko dzangu nokuputsa sungano yangu.

60. Asi hazvo ndicharangarira sungano yandakaita newe pamazuva ouduku hwako, ndigosimbisa sungano isingaperi newe.

61. Ipapo ucharangarira nzira dzako ugonyora paunogamuchira vanun'una vako, vose vakuru kwauri uye navaduku kwauriwo. Ndichavapa kwauri savanasikana, asi kwete nokuda kwesungano yangu newe.

62. Saka ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchaziva kuti ndini Jehovha.

63. Ipapo, kana ndayanana newe pane zvose zvawakaita, ucharangarira ugonyara uye ukasazoshamisa muromo wako nokuda kwokuninipiswa kwako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 16