Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 16:51-63 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

51. Samaria harina kuita hafu yezvivi zvawakaita iwe. Iwe wakaita zvinhu zvinonyangadza kupfuura zvavakaita ivo, uye wakaita kuti vanun'una vako vange vakarurama nokuda kwezvinhu izvi zvawakaita iwe.

52. Takura kunyadziswa kwako iwe, nokuti wakavigira munun'una wako kururamisirwa. Nokuti zvivi zvako zvakanga zvichinyadzisa chose kupinda zvavo, ivo vanoratidzika kunge vakarurama kupfuura iwe. Saka zvino, chinyara uye zvitakurire nyadzi dzako, nokuti wakaita kuti munun'una wako ave akarurama.

53. “ ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndichadzosazve pfuma yeSodhomu navanasikana varo neyeSamaria navanasikana varo, uye pfuma yako pamwe chete navo,

54. kuitira kuti ugotakura nyadzi dzako ugonyara pane zvose zvawakaita uchivanyaradza.

55. Uye vanun'una vako, ivo Sodhomu navanasikana vake neSamaria navanasikana varo, vachadzokera pane zvavaiva kare.

56. Haungazomborevi nezvomunun'una wako Sodhomu pazuva rokuzvikudza kwako,

57. kuipa kwako kusati kwafukurwa. Kunyange zvino, uri kusekwa izvozvi navanasikana veEdhomu navavakidzani varo vose, uye vanasikana veFiristia, navose vakakupoteredza vanokushora.

58. Uchazvitakurira zvibereko zvounzenza hwako namabasa ako anonyangadza, ndizvo zvinotaura Jehovha.

59. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakuitira zvakakufanira, nokuti wakazvidza mhiko dzangu nokuputsa sungano yangu.

60. Asi hazvo ndicharangarira sungano yandakaita newe pamazuva ouduku hwako, ndigosimbisa sungano isingaperi newe.

61. Ipapo ucharangarira nzira dzako ugonyora paunogamuchira vanun'una vako, vose vakuru kwauri uye navaduku kwauriwo. Ndichavapa kwauri savanasikana, asi kwete nokuda kwesungano yangu newe.

62. Saka ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchaziva kuti ndini Jehovha.

63. Ipapo, kana ndayanana newe pane zvose zvawakaita, ucharangarira ugonyara uye ukasazoshamisa muromo wako nokuda kwokuninipiswa kwako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 16