Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 16:48-57 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

48. Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, munun'una wako Sodhomu navanasikana vake havana kumboita zvawakaita iwe nezvakaitwa navanasikana vako.

49. “ ‘Zvino ichi ndicho chaiva chivi chomunun'una wako Sodhomu: Iye navanasikana vake, vaizvikudza vaidyisa uye vaiva vasina hanya; havana kubatsira varombo navanoshayiwa.

50. Vakanga vana manyawi uye vaiita zvinhu zvinonyangadza pamberi pangu. Naizvozvo ndakavarasa sezvamunoona.

51. Samaria harina kuita hafu yezvivi zvawakaita iwe. Iwe wakaita zvinhu zvinonyangadza kupfuura zvavakaita ivo, uye wakaita kuti vanun'una vako vange vakarurama nokuda kwezvinhu izvi zvawakaita iwe.

52. Takura kunyadziswa kwako iwe, nokuti wakavigira munun'una wako kururamisirwa. Nokuti zvivi zvako zvakanga zvichinyadzisa chose kupinda zvavo, ivo vanoratidzika kunge vakarurama kupfuura iwe. Saka zvino, chinyara uye zvitakurire nyadzi dzako, nokuti wakaita kuti munun'una wako ave akarurama.

53. “ ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndichadzosazve pfuma yeSodhomu navanasikana varo neyeSamaria navanasikana varo, uye pfuma yako pamwe chete navo,

54. kuitira kuti ugotakura nyadzi dzako ugonyara pane zvose zvawakaita uchivanyaradza.

55. Uye vanun'una vako, ivo Sodhomu navanasikana vake neSamaria navanasikana varo, vachadzokera pane zvavaiva kare.

56. Haungazomborevi nezvomunun'una wako Sodhomu pazuva rokuzvikudza kwako,

57. kuipa kwako kusati kwafukurwa. Kunyange zvino, uri kusekwa izvozvi navanasikana veEdhomu navavakidzani varo vose, uye vanasikana veFiristia, navose vakakupoteredza vanokushora.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 16