Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 16:45-58 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

45. Iwe uri mwanasikana chaiye wamai vako, akashora murume wake navana vake; uye uri munun'una chaiye wavakoma vako, akashora varume vavo navana vavo. Mai vako vakanga vari muHiti uye baba vako vari muAmori.

46. Mukoma wako akanga ari Samaria, akanga achigara kumusoro kwako navanasikana vake; uye munun'una wako, akanga achigara kurutivi rwezasi kwako navanasikana vake, akanga ari Sodhomu.

47. Hauna kungofamba nenzira dzavo chete nokutevedzera zvinonyangadza zvavo, asi iwe munzira dzako dzose wakakurumidza kuva wakashata chose kupfuura ivo.

48. Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, munun'una wako Sodhomu navanasikana vake havana kumboita zvawakaita iwe nezvakaitwa navanasikana vako.

49. “ ‘Zvino ichi ndicho chaiva chivi chomunun'una wako Sodhomu: Iye navanasikana vake, vaizvikudza vaidyisa uye vaiva vasina hanya; havana kubatsira varombo navanoshayiwa.

50. Vakanga vana manyawi uye vaiita zvinhu zvinonyangadza pamberi pangu. Naizvozvo ndakavarasa sezvamunoona.

51. Samaria harina kuita hafu yezvivi zvawakaita iwe. Iwe wakaita zvinhu zvinonyangadza kupfuura zvavakaita ivo, uye wakaita kuti vanun'una vako vange vakarurama nokuda kwezvinhu izvi zvawakaita iwe.

52. Takura kunyadziswa kwako iwe, nokuti wakavigira munun'una wako kururamisirwa. Nokuti zvivi zvako zvakanga zvichinyadzisa chose kupinda zvavo, ivo vanoratidzika kunge vakarurama kupfuura iwe. Saka zvino, chinyara uye zvitakurire nyadzi dzako, nokuti wakaita kuti munun'una wako ave akarurama.

53. “ ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndichadzosazve pfuma yeSodhomu navanasikana varo neyeSamaria navanasikana varo, uye pfuma yako pamwe chete navo,

54. kuitira kuti ugotakura nyadzi dzako ugonyara pane zvose zvawakaita uchivanyaradza.

55. Uye vanun'una vako, ivo Sodhomu navanasikana vake neSamaria navanasikana varo, vachadzokera pane zvavaiva kare.

56. Haungazomborevi nezvomunun'una wako Sodhomu pazuva rokuzvikudza kwako,

57. kuipa kwako kusati kwafukurwa. Kunyange zvino, uri kusekwa izvozvi navanasikana veEdhomu navavakidzani varo vose, uye vanasikana veFiristia, navose vakakupoteredza vanokushora.

58. Uchazvitakurira zvibereko zvounzenza hwako namabasa ako anonyangadza, ndizvo zvinotaura Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 16