Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 16:32-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. “ ‘Iwe chifeve chomukadzi! Unoshuva vatorwa kupinda murume wako!

33. Chifeve chimwe nechimwe chinogamuchira muripo, asi iwe unopa zvipo kuvadiwa vako vose, nokuvafufura kuti vauye kwauri vachibva kwose kwose nokuda kwokupata kwako kusina unhu.

34. Saka iwe wakasiyana navamwe pakufeva kwako; hakuna anokumhanyira nokuda kwokupata kwako. Iwe wakasiyana chose, nokuti ndiwe unopa muripo uye iwe hauna chaunopiwa.

35. “ ‘Naizvozvo, iwe chifeve, chinzwa shoko raJehovha!

36. Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti wakadurura pfuma yako nokufukura kusasimira kwako mukupata kwako navadiwa vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvako zvose zvinonyangadza, uye nokuda kwokuti wakavapa ropa ravana vako,

37. Naizvozvo ndichaunganidza vadiwa vako vose, vawaifara navo, vaya vawaida navaya vawaivenga. Ndichavaunganidza kubva kwose kwose kuti vakurwise uye ndichakufukura pamberi pavo uye vachaona kusasimira kwako kwose.

38. Ndichakutonga nomutongo wavakadzi vanoita ufeve navanoteura ropa; ndichauyisa pamusoro pako ropa rokutsiva kwehasha dzangu negodo rokutsamwa kwangu.

39. Ipapo ndichakuisa mumaoko avadiwa vako, uye vachakoromora nzvimbo dzako dzakakwirira vagoparadza shongwe dzako refu. Vachakubvisa nguo dzako vagotora ukomba hwako hwakanaka nokukusiya usina kupfeka wakashama.

40. Vachauya nemhomho yavanhu kuti izokurwisa, vachakutema namabwe nokukubvamburanya neminondo yavo.

41. Vachapisa dzimba dzako nokukuranga pamberi pavakadzi vazhinji. Ndichagumisa ufeve hwako, uye hauchazoripirizve vadiwa vako.

42. Ipapo hasha dzangu pamusoro pako dzichaserera uye godo rokutsamwa kwangu richabva kwauri; ndichadzikama uye handingatsamwizve.

43. “ ‘Nokuti hauna kurangarira mazuva ouduku hwako asi wakanditsamwisa nezvinhu zvose izvi, zvirokwazvo ndichauyisa pamusoro pako zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ko, hauna kuwedzera unzenza pane mamwe mabasa ako ose anonyangadza here?

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 16