Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 12:13-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ndichamutambanudzira mumbure wangu, uye achabatwa mumusungo wangu; ndichamuendesa kuBhabhironi, nyika yavaKaradhea, asi haasi kuzoiona, uye ikoko ndiko kwaachafira.

14. Ndichaparadzira kumhepo vose vakamupoteredza, vashandiri vake namauto ake, uye ndichavateverera nomunondo wakavhomorwa.

15. “Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichavaparadzira pakati pendudzi nokuvaparadzira kunyika dzose.

16. Asi ndichasiya vashoma vavo pamunondo, napanzara nedenda, kuitira kuti pakati pendudzi kwavachaenda zvimwe vangarangarira zvinyangadzo zvavo zvavakaita zvose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”

17. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

18. “Mwanakomana womunhu, udedere paunenge uchidya zvokudya zvako, uye ubvunde nokutya paunonwa mvura yako.

19. Uti kuvanhu venyika, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavanogara muJerusarema uye munyika yaIsraeri kuti: Vachadya zvokudya zvavo nokufunganya nokunwa mvura yavo vaora mwoyo, nokuti nyika yavo ichatorerwa zviri mairi nokuda kwechisimba chaavo vose vanogaramo.

20. Maguta anogarwa navanhu achaitwa ndongo uye nyika ichaparadzwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

21. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

22. “Mwanakomana womunhu, chirevo ichi chamunacho munyika yaIsraeri ndecheiko chinoti, ‘Mazuva ari kungopera uye zviratidzo zvose zvinongova pasina?’

23. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichaita kuti chirevo ichi chigume, uye havachazochitauri muIsraeri.’ Uti kwavari, ‘Mazuva aswedera okuti zviratidzo zvose zvizadziswe.

24. Nokuti hakuchazovizve nezviratidzo zvenhema kana kuvuka kunobata kumeso pakati pavanhu veIsraeri.

25. Asi ini Jehovha ndichataura zvandichataura, uye zvichazadzisika zvisinganonoki. Nokuti pamazuva enyu, imi imba yokumukira, ndichazadzisa zvose zvandinotaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

26. Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti,

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 12