Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 11:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Naizvozvo profita pamusoro pavo; profita, mwanakomana womunhu.”

5. Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pangu, iye akanditaurira kuti nditi: “Zvanzi naJehovha: Ndizvo zvamunotaura, imi imba yaIsraeri, asi ndinoziva zvamunofunga mundangariro dzenyu.

6. Makauraya vanhu vazhinji muguta rino uye mukazadza nzira dzaro nevakafa.

7. “Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Zvitunha zvamakandamo ndiyo nyama uye guta rino ndiyo hari, asi ini ndichakubudisai mariri.

8. Munotya munondo, zvino munondo ndiwo wandichauyisa kuzokurwisai, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

9. Ndichakubudisai kunze kweguta ndigokuisai mumaoko avatorwa uye ndichakurangai.

10. Muchaurayiwa nomunondo, uye ini ndichakutongai pamiganhu yaIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 11