Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 10:12-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Miviri yawo yose, pamwe chete nemisana yawo, maoko awo namapapiro awo, zvakanga zvakazara nameso, zvakanga zvakadarowo namavhiri awo ari mana.

13. Ndakanzwa mavhiri achitumidzwa zita rokuti mavhiri okumonereka.”

14. Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina: Chimwe chiso chakanga chiri chekerubhi, chechipiri chakanga chiri chiso chomunhu, chiso chechitatu chakanga chiri cheshumba, chiso chechina chakanga chiri chegondo.

15. Ipapo makerubhi akabhururuka achikwira kumusoro. Izvi ndizvo zvisikwa zvipenyu zvandakaona ndiri paRwizi rweKebha.

16. Makerubhi aiti ofamba, mavhiri aiva parutivi rwawo ofambawo; makerubhi aiti akatambanudza mapapiro awo kuti abhururuke kubva pasi, mavhiri akanga asingabvi parutivi rwawo.

17. Kana makerubhi akamira, iwo aimirawo; uye makerubhi akabhururuka, iwo aisimuka pamwe chete nawo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri maari.

18. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakabva pamusoro pachikumbaridzo chetemberi kukamira pamusoro pamakerubhi.

19. Ndichakatarisa izvi, makerubhi akatambanudza mapapiro awo ndokubhururuka kubva pasi, uye paaienda, mavhiri aiendawo nawo. Akandomira pamukova wesuo rokumabvazuva kweimba yaJehovha, uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri pamusoro pawo.

20. Izvi ndizvo zvisikwa zvipenyu zvandakanga ndaona pasi paMwari waIsraeri paRwizi rweKebha, uye ndikaziva kuti akanga ari makerubhi.

21. Rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina namapapiro mana, uye pasi pamapapiro awo pakanga pane zvairatidzika samaoko omunhu.

22. Zviso zvawo zvakanga zvichitaridzika sezviya zvandakanga ndamboona paRwizi rweKebha. Chimwe nechimwe chaifamba chakananga mberi.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 10