Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 10:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndakatarisa, ndikaona chinhu chakafanana nechigaro choushe chesafire pamusoro pedenga raiva pamusoro pemisoro yamakerubhimi.

2. Jehovha akati kumurume uya akanga akapfeka mucheka werineni, “Enda pakati pamavhiri ari munyasi mamakerubhi. Uzadze maoko ako namazimbe anopisa anobva pamakerubhi ugoaparadzira pamusoro peguta.” Iye akapinda ini ndakatarira.

3. Zvino makerubhi akanga akamira parutivi rwezasi kwetemberi murume paakapinda, uye gore rakazadza ruvazhe rwomukati.

4. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakakwira pamusoro pamakerubhi kukaswedera kuchikumbaridzo chetemberi. Gore rakazadza temberi, uye ruvazhe rukazadzwa nokupenya kwokubwinya kwaJehovha.

5. Mubvumo wamapapiro amakerubhi wainzwika kusvikira kuruvazhe rwokunze, senzwi raMwari Wamasimba Ose kana achitaura.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 10