Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 1:5-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. uye mumoto makanga mune zvakanga zvakaita sezvisikwa zvipenyu zvina. Pakuonekwa kwazvo, chimiro chazvo chakanga chiri chomunhu,

6. asi chimwe nechimwe chazvo chakanga chine zviso zvina namapapiro mana.

7. Makumbo azvo akanga akarurama; tsoka dzazvo dzakanga dzakaita sedzemhuru uye dzichipenya sendarira yakabwinyiswa.

8. Zvakanga zvina maoko omunhu pasi pamapapiro azvo pamativi azvo mana. Zvose zviri zvina zvaiva nezviso namapapiro,

9. uye mapapiro azvo aigunzvana. Chimwe nechimwe chazvo chaienda mberi chakarurama; zvakanga zvisingacheuki pakufamba kwazvo.

10. Zviso zvazvo zvairatidzika sezvizvi: chimwe nechimwe pauna hwazvo chaiva nechiso chomunhu, uye kurudyi, chimwe nechimwe chaiva nechiso cheshumba, uye kuruboshwe, chiso chenzombe; chimwe nechimwe chaiva nechiso chegondo.

11. Ndizvo zvakanga zvakaita zviso zvazvo. Mapapiro azvo akanga akatambanudzirwa kumusoro; chimwe nechimwe chakanga china mapapiro maviri rimwe richigunzva bapiro rechimwe chisikwa kumativi ose, uye mapapiro maviri akafukidza muviri wacho.

12. Chimwe nechimwe chainanga mberi chakarurama. Kwose kwaienda mweya, ndiko kwazvaienda, zvisingacheuki pakufamba kwazvo.

13. Kuonekwa kwezvisikwa zvipenyu izvi kwakanga kwakaita samazimbe omoto anopfuta, kana somwenje. Moto waienda mberi uchidzoka pakati pezvisikwa; wakanga uchipenya, uye mheni yaipenya mauri.

14. Zvisikwa zvaimhanya zvichienda mberi zvichidzoka semheni inopenya.

15. Ndakati ndichitarira kuzvisikwa zvipenyu, ndakaona vhiri riri pasi porutivi rwechisikwa chimwe nechimwe nezviso zvacho zvina.

16. Uku ndiko kwaiva kuratidzika namagadzirirwo amavhiri acho: Akanga achivaima sebwe rekristaro, uye zvose zviri zvina zvakanga zvakafanana pakuonekwa kwazvo. Pakuonekwa kwawo napamagadzirirwo awo akanga akaita sevhiri rimwe riri mukati merimwe vhiri.

17. Pakufamba kwazvo, zvaigona kuenda neimwe yenzira ina dzakanga dzakatariswa nezvisikwa zvina; mavhiri akanga asingatsauki zvisikwa pazvaifamba.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 1